|
Nhoroondo neChinangwa
Sangano reNew Life Mission, rakavambwa naMufundisi Paul C. Jong mugore ra1991, isangano risina kereke yarakarerekera uye risina chinangwa chokuwana mari. Rakanangana nokuparidzira mashoko aMwari kuvanhu vose vemunyika kuburikidza nebato rezvinyorwa. Rakave nokugovera pachena makopi mazana ezvuru zvamabhuku akapirindwa pamwe nema e-Book. Hofisi huru yesangano iri kuguta reSeoul, Korea, uye pane mabhuranji mazhinji pamwe nemasangano anoshandira pamwe nesu munyika dzose.
Mapato
Bato reKushandurwa uye Kundindwa kwema e-Book echiKristu epachena / pamwe nemabhuku akapirindiwa
Bato rezvinyorwa nderimwe renzira dzakatsarukana dzokuparidzira evhangeri kunyika dzose. Saka takava nokushandurira mabhuku echiKristu aPaul C. Jong mumitauro inoraudza makumi mana nemashanu, uye tinoramba tichienderera mberi nokumashandurira mune imwe mitauro.
Tinochingamidza vashandiri vose mubato rekushandura zvinyorwa.
Kuti utijoine semushanduri/muongorori, tapota tinya bhatani rekuti unyorere kuva mushanduri.
Kugoverwa kwemabhuku echiKristu epachena
Zvichitevera murairo waShe, “Pachena makangowanavo, ipai pachena” (Mateo 10:8), takava nokugovera mabhuku echiKristu aMufundisi Jong pachena kumunhu wose zvake anoda kuaverenga. Takagadzirira kupa mabhuku mazhinji sekudiwa kwaanenge achiitwa nevashandiri vedu, kunyange nekuripira miripiro yepositi pamwe nemiripiro yekutumidzira nechikepe kudivi redu. Takava nokuburitsa pachena mazana ezvuru zvamabhuku akapirindwa kumachechi, masangano emamishoni, zvipatara, majere, ma-library, nekuvafundisi pamwevo nevasiri vafundisi kunyika dzinopfuura zana nemakumi mashanu.
Unogonavo kugoverana nyasha dzaShe pamwe nesu kuburikidza nokubata pamwe nesu mubato redu rezvinyorwa. Wakasununguka kutijoina semugoveri wemabhuku kuburikidza nokutinya bhatani rekuva mushandri.
|