|
Johane Mubhabhatidzi Ndiye Ani Akabhabhatidza Jesu?
Mwari vakapa vaIsirayera mutemo nekunaMozisi uye nenzira dzokupira zvipiriso nadzo kuti vagowana kuregererwa kwezvitadzo nezvakaipa zvavo. Akasarudza Aroni mukoma waMozisi semushumiri mukuru anova aipira zvipiriso nezuva rechigumi romwedzi wechinomwe zuva rokuwadzaniswa kuti zvitadzo zvegore rose zvavaIsirayera zvigoshambidzwa (Revhitiko 16).
Mwari akatsanangudza kuti kupa zvipiriso zvezuva rokuwadzanisa kwaingoitwa chete naAroni neaizoteverera mushumiri mukuru pakati pedzinza ravo. Mwari vakavhura nzira yokuregererwa kwezvitadzo zvavaIsirayera nokuturika maoko kwaAroni pamusoro wembudzi. Uyu ndiwo mutemo wekuwadzaniswa wavakadzikirwa naMwari.
Nemumvuri uyu, akada kuti zvizivikanwe pachena kuti Jesu ndiye aive muponesi wemarudzi ose. Panguva yeTesitamende yekare Mwari vakatuma Johane mubhabhatidzi anova wedzinza raAroni (1 Makoronike 24:10, Ruka 1:5) uye mushumiri mukuru wekupedzisira muTesitamende yekare. (Mateo 11:11-13) Johane mubhabhatidzi, semuporofita akatumwa naMwari, mumiriri uye mushumiri mukuru wemarudzi ose, akabhabhatidza Jesu kuti agoisa zvitadzo zveamarudzu ose pana Jesu, mwanakomana waMwari, uyo akauya kuzoponesa vatadzi.
Vanhu vose vakomborererwa nokukwanisa kuisa zvitadzo zvavo zvose pana Jesu nomuna Johane mubhabhatidzi. Basa guru raJohane raiva rohushumiri hukuru hwekumirira marudzi ose uye kuve muranda waMwari uyo akaisa zvitadzo zvedu pana Jesu.
Johane mubhabhatidzi aiva mumiriri uye mushumiri mukuru wemarudzi ose akatumwa naMwari, uye mutumwa akatumwa pachine mwedzi mitanhatu Jesu asvika. Nekunerumwe ruoko, Jesu yaiva hwayana yaMwari yakabvisa zvitadzo zvose zvapanyika, ukuwo Johane mubhabhatidzi ari mushumiri mukuru wekupedzisira akaisa zvitadzo zvose zvapanyika pana Jesu nokumubhabhatidza. Johane mubhabhatidzi aiva muranda waMwari.
Dzoka kumudungwe
|