Sei Jesu Akazvipira Pachake Pamuchinjikwa?
Mupiro waJesu waiva wekuripira zvivi zvedu izvo zvaakabvisa nokubhabhatidzwa kwake. Akatipa muviri wake kuti tiripire zvedu, kuti tigosunungurwa kubva kumutongo wezvitadzo zvedu zvose.
Chatinofanira kuziva ndechokuti Jesu akabhabhatidzwa muna Jorodhani kuti agobvisa zvitadzo zvedu zvose. Tinofanira kutenda kuti Jesu akafira pamuchinjikwa nokuda kwechikonzero chezvitadzo zvedu.
Dai Jesu akarovererwa asati akabhabhatidzwa, angadai asina kufira pamuchinjikwa, naizvozvo, dai zvitadzo zvedu zvichingovapo zvino, nokudaro tinofara kutenda mukubhabhatidzwa uye pamwechete neropa raJesu. Nokuti Jesu mwanakomana waMwari, hwayana yechibairo, akarovererwa kubvisa matadzo edu ose.
Tose tinofanira kutenda kuti Jesu mwanakomana waMwari, kuti akabhabhatidzwa kuti abvise zvitadzo zvapanyika zvose, uye kuti akarovererwa pamusana pedu. Jesu akabhabhatidzwa iri nzira yokuti abvise matadzo edu ose, ndokubva arovererwa, kuti isu vatadzi tigoponeswa. Kubva kuzvitadzo zvedu uye nokusunungurwa kubva kuchirango.
Dzoka kumudungwe
|