Vatsvene
Avo vakagamuchira kuregererwa kwezvivi zvose, kuburikidza nokutenda kuevhangeri yemvura noMweya, vakava vasina zvivi pamberi paMwari, ndivo vanonzi vatsvene. VaRoma 4:7-8 inotaura kuti, “Vakaropafadzwa vakakanganwirwa zvisakarurama zvavo, navakafukidzirwa zvivi zvavo. Wakaropafadzwa munhu usinganzi naShe une zvivi.” Pano, kuti vakaropafadzwa hazvirevi vamwe kunze kwevatsvene avo vakagamuchira kuregererwa kwezvivi. Nokuda kwekuti Mwari mutsvene uye akarurama, haatenderi avo vane zvivi mumoyo yavo kuti vave vatsvene. Kukanganwirwa zvisakarurama, nokufukidzirwa zvivi, ndiko kusava nezvivi, uye kuva mutsvene, kuburikidza nokutenda kuna Jesu Kristu chaizvoizvo – ndiko kuti, kuburikidza nokutenda kuti takatambidza zvivi zvedu kuna Jesu kuburikidza nerubhapatidzo rwake; uye nokuti, nokuda kwerufu rwake paMuchinjikwa, Jesu wakaripira mibairo yezvivi, paMuchinjikwa, pachinzvimbo chedu.
Nokuda kwekuti Mwari haangagoni kureva nhema, haangambotenderi avo vane zvivi kuti vave vatsvene. Sezvine rupokano, anovapa mhosva, uye agovakandira mumoto wegehena. Kuti tive nezvisakarurama pamberi paMwari, tinofanira kutenda mumoyo yedu kuti zvivi zvedu zvose zvakare, zvanhasi, nezveramangwana, zvakatambidzwa pana Jesu, zvachose, apo akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi, uye naizvozvo tinofanira kugura zvivi kubva pamoyo yedu. Saizvozvo, kuti vakarurama, pamberi paMwari, zvinoreva avo vasina zvisakarurama mumoyo yavo, kuburikidza nokutenda murubhapatidzo rwaJesu, pamwe nokuMuchinjikwa wake. Kana vamwe vanhu vachiri nezvivi mumoyo yavo, kunyange sezvanongotenda kuna Jesu uye vachiri kuita minyengetero yokutendeuka; bva, vanhu ivavo vanenge vari vatadzi, kwete vana vaMwari.
Mwari haaruramisi munhu wakaipa (Ekisodho 23:7), nokuti iye haangagoni kureva nhema. Naizvozvo, avo vanosiya rubhapatidzo rwaJesu, vachitenda muropa raJesu paMuchinjikwa badzi, havangagoni kuva vakarurama.
Dzoka kumudungwe
|